\id 2TH - Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 \ide UTF-8 \h 2 VaTesaronika \toc1 2 VaTesaronika \toc2 2 VaTesaronika \toc3 2 VaTesa \mt1 2 VATESARONIKA \c 1 \p \v 1 Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu: \b \p \v 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu. \b \s1 Kuvonga noKunyengetera \p \v 3 Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura. \v 4 Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri. \p \v 5 Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira. \v 6 Mwari anoruramisira: Achatsiva nokutambudza avo vanokutambudzai, \v 7 uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba. \v 8 Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu. \v 9 Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, \v 10 pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri. \p \v 11 Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka nebasa rose rakamutswa nokutenda kwenyu. \v 12 Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu. \c 2 \s1 Munhu woKutsauka \p \v 1 Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama, \v 2 kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika. \v 3 Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa. \v 4 Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari. \p \v 5 Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi? \v 6 Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira. \v 7 Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa. \v 8 Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake. \v 9 Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana, \v 10 uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uti vagoponeswa. \v 11 Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema \v 12 uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa. \s1 Mirai neSimba \p \v 13 Asi tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama dzinodiwa naIshe, nokuti kubva pakutanga Mwari akakusarudzai kuti muponeswe nebasa rokuchenesa roMweya uye nokutenda chokwadi. \v 14 Akakudanirai izvi nevhangeri redu, kuti mugovane mukubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu. \v 15 Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba. \p \v 16 Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, \v 17 ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka. \c 3 \s1 Chikumbiro choMunyengetero \p \v 1 Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri. \v 2 Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva kune akaipa, nokuti havasi vose vanotenda. \v 3 Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa. \v 4 Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai. \v 5 Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu. \s1 Yambiro pamusoro poUsimbe \p \v 6 Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri. \v 7 Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi, \v 8 uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri. \v 9 Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere. \v 10 Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.” \p \v 11 Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. \v 12 Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira. \v 13 Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka. \p \v 14 Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare. \v 15 Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama. \b \s1 Mashoko Okupedzisira \p \v 16 Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose. \b \p \v 17 Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose. \b \p \v 18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.