\id 2CO - Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 \ide UTF-8 \h 2 VaKorinde \toc1 2 VaKorinde \toc2 2 VaKorinde \toc3 2 VaKori \mt1 2 VAKORINDE \c 1 \p \v 1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose: \b \p \v 2 Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichibva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. \b \s1 Mwari woKunyaradza Kwose \p \v 3 Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, \v 4 ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari. \v 5 Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu. \v 6 Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo. \v 7 Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu. \p \v 8 Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa. \v 9 Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa. \v 10 Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura, \v 11 imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji. \s1 Pauro anoshandura urongwa hwake \p \v 12 Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari. \v 13 Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti, \v 14 sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu. \p \v 15 Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri. \v 16 Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea. \v 17 Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.” \p \v 18 Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” \v 19 Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.” \v 20 Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe. \v 21 Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, \v 22 akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya. \p \v 23 Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi. \v 24 Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda. \c 2 \p \v 1 Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai. \v 2 Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza? \v 3 Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu. \v 4 Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri. \s1 Kuregererwa kwoMutadzi \p \v 5 Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda. \v 6 Kurangwa kwaakaitwa navanhu vazhinji kwakamuringana. \v 7 Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya. \v 8 Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari. \v 9 Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose. \v 10 Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu, \v 11 kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva. \s1 Vashumiri veSungano Itsva \p \v 12 Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo, \v 13 ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia. \p \v 14 Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake. \v 15 Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara. \v 16 Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai? \v 17 Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari. \c 3 \p \v 1 Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza? \v 2 Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose. \v 3 Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu. \p \v 4 Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari. \v 5 Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. \v 6 Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu. \s1 Kubwinya kweSungano Itsva \p \v 7 Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako, \v 8 ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? \v 9 Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei! \v 10 Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura. \v 11 Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei! \p \v 12 Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru. \v 13 Hatina kufanana naMozisi aiisa chifukidziro pachiso chake kuti vaIsraeri varege kuchitarisa kupenya pakwainge kwava kupera. \v 14 Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu. \v 15 Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo. \v 16 Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa. \v 17 Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka. \v 18 Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya. \c 4 \s1 Pfuma iri muMidziyo Yevhu \p \v 1 Naizvozvo, sezvo tine ushumiri uhu kubudikidza netsitsi dzaMwari, hatiori mwoyo. \v 2 Asi takaramba zvinhu zvakavanzika uye nenzira dzinonyadzisa; hatishandisi unyengeri, uye hatiminamisi shoko raMwari. Asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvireverera muhana yomunhu wose pamberi paMwari. \v 3 Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara. \v 4 Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. \v 5 Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu. \v 6 Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu. \p \v 7 Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri. \v 8 Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; \v 9 tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa. \v 10 Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu. \v 11 Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa. \v 12 Saka naizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri. \p \v 13 Kwakanyorwa kuchinzi: “Ndakatenda; naizvozvo ndikataura.” Nomweya mumwe chete iwoyo wokutenda takatendawo uye naizvozvo tinotaura, \v 14 nokuti tinoziva kuti iye akamutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvakafa achazotimutsawo pamwe chete naJesu uye agotisvitsa pamberi pake pamwe chete nemi. \v 15 Izvi zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuitira kuti nyasha dziri kusvikira vanhu vazhinji dziwanze kuvonga kuti Mwari akudzwe. \p \v 16 Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. \v 17 Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. \v 18 Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi. \c 5 \s1 Imba yedu yoKudenga \p \v 1 Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. \v 2 Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, \v 3 nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama. \v 4 Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu. \v 5 Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya. \p \v 6 Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose uye tinoziva kuti kana tichigara mumuviri, tiri kure naIshe. \v 7 Tinorarama nokutenda, kwete nokuona. \v 8 Ndinoti tinotsunga mwoyo, kuti, zviri nani kubva mumuviri ndive kumusha naShe. \v 9 Saka chinangwa chedu ndechokuti timufadze, kunyange tiri mumuviri kana kunyange tisingagarimo. \v 10 Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. \s1 Ushumiri hwoKuyananisa \p \v 11 Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu. \v 12 Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo. \v 13 Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu. \v 14 Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. \v 15 Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa. \p \v 16 Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo. \v 17 Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! \v 18 Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: \v 19 ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa. \v 20 Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. \v 21 Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari. \c 6 \p \v 1 Savashandi pamwe chete naMwari tinokukurudzirai kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. \v 2 Nokuti iye anoti, \q1 “Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu, \q2 uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.” \m Ndinokuudzai, zvino ndiyo nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso. \s1 Matambudziko aPauro \p \v 3 Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa. \v 4 Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru, mumatambudziko, mukuomerwa, uye nemunhamo; \v 5 mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya; \v 6 mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi; \v 7 mushoko rechokwadi nomusimba raMwari; nenhumbi dzokurwa nadzo dzokururama kuruoko rworudyi nokuruboshwe, \v 8 mukukudzwa nomukusakudzwa, muguhu rakaipa neguhu rakanaka; tiri vechokwadi, asi tichionekwa savanyengeri; \v 9 tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi; \v 10 savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose. \p \v 11 Takataura kwamuri pachena, imi vaKorinde, uye takazarura mwoyo yedu kwamuri. \v 12 Hatisi kukunyimai rudo rwedu, asi imi munotinyima rwenyu. \v 13 Sokutsinhana kwakanaka, ndinotaura sokuvana vangu, zaruraiwo mwoyo yenyu. \s1 Musafambidzana naVasingatendi \p \v 14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima? \v 15 Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi? \v 16 Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.” \q1 \v 17 “ ‘Saka budai mubve pakati pavo \q2 uye muzvitsaure,’ \q4 ndizvo zvinotaura Ishe. \q1 ‘Musabata chinhu chine tsvina, \q2 ini ndigokugamuchirai.’ ” \q1 \v 18 “ ‘Ndichava baba venyu, \q2 uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ \q4 ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.” \c 7 \p \v 1 Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari. \s1 Mufaro waPauro \p \v 2 Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama. \v 3 Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi. \v 4 Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo. \p \v 5 Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, nokutya nechomukati. \v 6 Asi Mwari anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza pakauya Tito, \v 7 kwete nokuda kwokuuya kwake bedzi, asiwo nokuda kwokunyaradza kwamakamupa. Akatiudza nezvokundishuva kwenyu, kusuwa kwenyu kukuru, nokuva nehanya kwenyu pamusoro pangu, saka mufaro wangu wakava mukuru kwazvo. \p \v 8 Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete, \v 9 asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo. \v 10 Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu. \v 11 Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwoumwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi. \v 12 Saka kunyange zvangu ndakakunyorerai, ndakanga ndisingazviiti nokuda kwaiye akaita zvakaipa, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvakaipa, asi kuti pamberi paMwari mugone kuzvionera kuti makazvipira sei kwatiri. \v 13 Naizvozvi zvose tinokurudzirwa. \p Pamusoro pokukurudzirwa kwedu, takanyanya kufadzwa zvikuru nokuona mufaro wakanga una Tito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose. \v 14 Nokuti ndakanga ndazvirumbidza kwaari pamusoro penyu, uye hamuna kundinyadzisa. Asi sezvo zvose zvatakataura pamusoro penyu zvaiva chokwadi, saka kuzvirumbidza kwedu kuna Tito pamusoro penyu kwakaratidza kuti ndokwechokwadiwo. \v 15 Uye rudo rwake kwamuri rukuru kwazvo paanorangarira kuti mose makanga muchiteerera, pamakamugamuchira nokutya nokudedera. \v 16 Ndinofara kuti ndinogona kuvimba nemi zvizere. \c 8 \s1 Kupa kunokurudzirwa \p \v 1 Uye zvino, hama, tinoda kuti muzive pamusoro penyasha dzakapiwa naMwari kukereke dzeMasedhonia. \v 2 Pakati pokuedzwa kukuru, mufaro wavo mukuru nokushayiwa kwavo kukuru zvakaita kuti vape zvizhinji. \v 3 Nokuti ndinopupura kuti vakapa napavaigona napo, uye kunyange kutopfuura pavaigona napo. Vakaita zvose izvi nokuda kwavo, \v 4 vakakumbirisa kwazvo kwatiri kuti vawane mukana wokugoverana nesu muushumiri uhu kuvatsvene. \v 5 Uye havana kuita sezvataifunga bedzi, asi kuti vakazvipa ivo pachavo kutanga kuna Ishe mushure mezvo vakazvipa kwatiri maererano nokuda kwaMwari. \v 6 Saka takakumbira zvikuru Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzisewo basa iri renyasha kwamuri. \v 7 Asi sezvamakagonesesa pazvinhu zvose, pakutenda, pakutaura, pakuziva, napakushingaira kwose uye nomurudo rwenyu, onaiwo kuti mugonesese munyasha idzi dzokupa. \p \v 8 Handisi kukurayirai, asi kuti ndinoda kuedza kutendeka kwerudo rwenyu nokukuenzanisa nokushingaira kwavamwe. \v 9 Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa. \p \v 10 Uye herino zano rangu pane zvichakubatsirai pachinhu ichi: Gore rakapera makava vokutanga kwete pakupa chete asiwo pakuva nechishuvo chokuzviita. \v 11 Zvino pedzisai basa, kuitira kuti shungu dzenyu dzokuda kuita izvi, dzienzaniswe nokuzvizadzisa kwenyu, maererano nepamunogona napo. \v 12 Nokuti kana chido chiripo, chipo chinogamuchirwa, maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvaasina. \p \v 13 Chishuvo chedu hachisi chokuti vamwe varerukirwe asi imi muchiremerwa, asi kuti pave nokuenzana. \v 14 Panguva ino kuwana kwenyu kuchavawanisa zvavanoshayiwa, kuitirawo kuti kuwana kwavo kugokuwanisaiwo zvamunoshayiwa. Ipapo pachava nokuenzana, \v 15 sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaunganidza zvakawanda haana kuva nezvakawandisa, uye akaunganidza zvishoma haana kuva nezvishoma shoma.” \s1 Tito anotumwa kuKorinde \p \v 16 Ndinovonga Mwari, akaisa mumwoyo maTito hanya seyandinayo kwamuri. \v 17 Nokuti Tito haana kugamuchira chikumbiro chedu bedzi, asi kuti ari kuuyawo kwamuri nokushingaira kukuru uye nokuda kwake hake. \v 18 Uye tiri kumutumira kwamuri pamwe chete nehama inorumbidzwa nekereke dzose paushumiri hwevhangeri. \v 19 Hazvisizvo zvoga, akasarudzwawo nekereke kuti atiperekedze pakutakura chipo chatiri kundopa, kuti tikudze Ishe pachake uye kuti tiratidze shungu dzedu dzokuda kubatsira. \v 20 Tinoda kuchenjerera kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pamabatiro atichaita chipo ichi chikuru. \v 21 Nokuti tiri kuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu. \p \v 22 Pamusoro pezvo, tiri kutuma hama yedu pamwe chete navo uyo akaratidza kwatiri nenzira dzakawanda kuti anoshingaira, uye kunyanya iye zvino nokuda kwokuvimba kwake kukuru nemi. \v 23 Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu nomubati pamwe chete neni pakati penyu; kana dziri hama dzedu, ndivo vamiririri vekereke uye kukudzwa kwaKristu. \v 24 Naizvozvo ratidzai varume ava chiratidzo chorudo rwenyu uye chikonzero chokuzvirumbidza kwenyu, kuitira kuti kereke dzigogona kuzviona. \c 9 \p \v 1 Handifaniri kunge ndichikunyorerai pamusoro poushumiri kuvatsvene. \v 2 Nokuti ndinoziva kuda kwamunako kuti mubatsire, uye ndakanga ndichizvirumbidza nokuda kwaizvozvo kuna veMasedhonia, ndichivaudza kuti kubvira gore rakapera, imi vari muAkaya makanga matogadzirira kupa; uye kushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji vavo kuti vapewo. \v 3 Asi ndiri kutumira hama kuitira kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu nokuda kwenyaya iyi kurege kuratidzwa pasina chinhu, asi kuti muve makagadzirira sezvandakataura kuti muite. \v 4 Nokuti zvimwe kana vamwe veMasedhonia vakauya neni uye vakakuwanai musina kugadzirira, isu tisingarevi chimwe chinhu pamusoro penyu, tichanyadziswa nokuda kwokuti takanga tichivimba nemi. \v 5 Saka ndakaona zvakafanira kuti ndikurudzire hama kuti dzikushanyirei pachine nguva uye kuti mugopedzisa kugadzirira nezvechipo chikuru chamakavimbisa. Ipapo chichava chipo chakagadzirirwa chakapiwa nomufaro, kwete sechipo chokumanikidzirwa. \s1 Kudyara zvizhinji \p \v 6 Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji. \v 7 Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro. \v 8 Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka. \v 9 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: \q1 “Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo; \q2 kururama kwake kunogara nokusingaperi.” \m \v 10 Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu. \v 11 Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe. \p \v 12 Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari. \v 13 Nokuda kwoushumiri uhwo hwamakazviratidza nahwo, vanhu vacharumbidza Mwari nokuda kwokuteerera kwenyu kunoenderana nokupupura kwenyu vhangeri raKristu, uye nokuda kwokugoverana kwenyu navo zvizhinji uye navamwe vose. \v 14 Uye muminyengetero yavo pamusoro penyu mwoyo yavo ichakushuvai, nokuda kwenyasha huru kwazvo dzamakapiwa naMwari. \v 15 Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa! \c 10 \s1 Kuzvidavirira kwaPauro pamusoro poUshumiri hwake \p \v 1 Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo! \v 2 Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino. \v 3 Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino. \v 4 Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. \v 5 Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. \v 6 Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa. \p \v 7 Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye. \v 8 Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo. \v 9 Handidi kuedza kuita sendinokutyisidzirai netsamba dzangu. \v 10 Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.” \v 11 Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo. \p \v 12 Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera. \v 13 Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri. \v 14 Hatizi kupfurikidza mwero pakuzvirumbidza kwedu, sezvazvaizova kana dai takanga tisina kuuya kwamuri, nokuti takasvika kwamuri nevhangeri raKristu. \v 15 Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo, \v 16 kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu. \v 17 Asi, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze muna She.” \v 18 Nokuti haasi uyo anozvirumbidza achanzi akatendeka, asi uyo anorumbidzwa naShe. \c 11 \s1 Pauro naVapostori Venhema \p \v 1 Ndinovimba kuti muchava nomwoyo murefu zvishoma nokuda kwoupenzi hwangu; asi mava kutozviita kare. \v 2 Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena. \v 3 Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. \v 4 Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo. \v 5 Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.” \v 6 Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndine ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose. \p \v 7 Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo? \v 8 Ndakatorera dzimwe kereke pandakagamuchira rubatsiro kubva kwavari kuitira kuti ndigone kukushumirai. \v 9 Uye pandakanga ndiri pakati penyu ndichishayiwa chimwe chinhu, handina kuva mutoro kuna ani zvake, nokuti hama dzakabva kuMasedhonia dzakandipa zvandaishayiwa. Handina kuda kuva mutoro nenzira ipi zvayo pakati penyu, uye ndicharamba ndichidaro. \v 10 Zvirokwazvo sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu mudunhu reAkaya achandidzivisa pakuzvirumbidza uku. \v 11 Seiko? Nokuti handikudei here? Mwari anoziva kuti ndinokudai! \v 12 Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo. \v 13 Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu. \v 14 Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza. \v 15 Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo. \s1 Pauro anozvirumbidza pamusoro pamatambudziko ake \p \v 16 Ndinopamhidza kuti: Ngakurege kuva nomunhu anonditi ndiri benzi. Asi kana muchidaro, naizvozvo ndigamuchirei sebenzi, kuitira kuti ndigozvirumbidzawo zvishoma. \v 17 Mukuzvirumbidza pachangu, handisi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi. \v 18 Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza. \v 19 Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera! \v 20 Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso. \v 21 Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo. \p Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo. \v 22 Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri. \v 23 Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji. \v 24 Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe. \v 25 Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa, \v 26 ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzevorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema. \v 27 Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka. \v 28 Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose. \v 29 Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu? \p \v 30 Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvinoratidza utera hwangu. \v 31 Mwari naBaba vaIshe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. \v 32 MuDhamasiko mubati pasi pamambo Aretasi akaita kuti guta ravaDhamasiko ririndwe achida kuti andisunge. \v 33 Asi ndakaburutswa ndiri mudengu napawindo parusvingo uye ndikapunyuka pamaoko ake. \c 12 \s1 Chiratidzo chaPauro noMunzwa muMuviri Wake \p \v 1 Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe. \v 2 Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva. \v 3 Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva, \v 4 akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure. \v 5 Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu. \v 6 Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana zvandinotaura. \p \v 7 Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti unditambudze. \v 8 Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri. \v 9 Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu. \v 10 Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba. \s1 Shungu dzaPauro pamusoro pavaKorinde \p \v 11 Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu. \v 12 Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru. \v 13 Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku! \p \v 14 Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana. \v 15 Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here? \v 16 Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano! \v 17 Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri? \v 18 Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete? \p \v 19 Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe. \v 20 Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso. \v 21 Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita. \c 13 \s1 Yambiro Yokupedzisira \p \v 1 Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. \v 2 Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizoregi vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose, \v 3 sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi ane simba kwazvo pakati penyu. \v 4 Nokuti kuti muve nechokwadi, akarovererwa pamuchinjikwa muutera, asi anorarama nesimba raMwari. Zvimwe chetezvo nesuwo tinorarama muutera maari, asi nesimba raMwari tiri vapenyu pamwe chete naye kuti tikushumirei. \p \v 5 Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana? \v 6 Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana. \v 7 Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana. \v 8 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete. \v 9 Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe. \v 10 Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai. \b \s1 Mashoko Okupedzisira \p \v 11 Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi. \b \p \v 12 Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. \p \v 13 Vatsvene vose vanokukwazisai. \b \p \v 14 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.